Chirungurira chitenda wehama
Shungu dzemoyo dzinotaurwa
Ndashaya shumo nazvo murambwa
Sei Zame akadaro?

Kushora tingashora sezvo tiri wekushora
Iye akaita akareva akapedza pake
Akati “ Dananai nerudo rukuru”
Zvino ruripiko rudo urwu?
Ndiro ronda runodya moyo wangu

Muyako nyika nhamo neni tsomeni
Maurondidana iwe nemazita dunhurirwa
“Mubvakure,” “Foreigner” “kwerekwere” “Munyasa” “Mupoto”
Kubva kure kudii?
Nhamo muridzi wayo Murambwa.

Ndoti upenyu ndazoita hwokudzipa pahuro
Ndonogara muyangu yechizvarirwo nyika
Ndinewo pokuisa nhiwi pasi
Nhamo muridzi wayo varumewe
Nhamo ibangapamoyo kana hama yako ikakudadira

Ndotiwo munyika yangu ndogarika
Asi nhamo yokuroja yakandirindira
Nhamo neni tsemetete
Kufara kwangu ruzha kumwene wemba
Wavo ndivo unonzi mufaro kwete wangu

Kupinda mwene wemba pazvinhu
Hamawe, hukoka dambudzo risina ubudiko
Itsamba yokutsvaga pamwe pokuroja
Unoswera wafamba machena masikati nehwako
Hamawe, ndiyo yeuroja nhamo

Zvino ndoshandireiwo SaMatenga?
Inga zuva nezuva ndodya moyo wangu
Sarei ndangove demhe risina mhodzi
Nekuda kweuroja

Ndinoziva chisingapere chinoshura
Aimbove mazambuko achazovewo madziva
Mvura zhinji ichanaya mazambuko achavawo madziva
Ipapo neronda rangu repamoyo richabva razoporawo
Nokuti neni nhamo yeuroja ndinonga ndaisiya
Pawangu musha ndogarawo
Inyaya yenguva chete
Nekumirira nguva ichasvika zvayo

Chirega zvako kuora moyo
Gore hariende pakabva rimwe
Uchagarawo nerufaro rwunobva kuna Zame
Uyo achazama hwako nehwangu upenyu
Vanondinyaradza vanodaro