Ndichemeiwo hama dzangu
Dzangu hama ngedzekutungatiswa
Ndinotungatiswa sendinotambidzwa hembe dzenhaka
Ndofirayo yeudangwe
Asi chii chisingaperi?
Apo zvinopera tichapedzerana

Ndinoti ndichemeiwo
Hama dzoseka, hanzi mazvokuda
Ndingavakewo here hama kuti ndigoputsa?
Mapudzi andaichemera nhasi ondiodzawo mwoyo
Twemanzeve twonge nhunzi nemasvosve pawangu musha
Dzinobviswa mimba inyaya yedenga hativerengi
Zvose izvi ndinogashidzwa semvura yenhaka

Kuberekera pavanhu kudai kambudzi
Kuti nditandirwewombwa
Kutiwo ndichemweyo nekuti nenhamo ndayaura
Ndatsva kumusana mwana otsva dumbu
Saka ndati ndichemeiwo ndayaura
Hazvinei hazvo
Usiku ndinhasi hahurire shiri

Ndinofira youdangwe yoga
Paita ngozi zvanzi ripa ndiwe dangwe ndiwe baba
Icho chakupa ronda chati nhunzi dzikudye
Kuiti kacha ngozi
Ikati bodo tsvo , nezvarakamwe handiide
Mubvandiripo haapo panyayayi
Nerokuita handichina
Icho chakadya vangu vabereki
Chakadya wangu musha ndasvipa moyo.