Ndinoyemurei kana ndichiona nyika?
Ndingafadzwa nei kana upenyu husina maturo?
Chii chinoyemurika munyika kana varume vochata?
Chii chinoyemurika kana vakadzi vachirova mhiko nerufu?
Ndinoyemurei kana ndichiona umhondi huchitunhidzwa?
Nhumbu dzobviswa pamutemo pasina chirango?
Kare raive shura chairo
Baba vaitora here mwanasikana kuita mukadzi?
Amai kana voosiya murume nevana voita vamwe gumi panze
Chii chingayemurika panyika

Kare rwaivepo rudo
Rudo rwakataridzwa kunyangwe naYawe
Yawe akapa mwana wake nerudo kunyika
Nyika ikafara nekuti nezvivi yaregererwa

Ndirwo rudo rwandinga yemure panyika
Rudo siri rwusina tsvete-tsvete
Rokuda kupihwa mari kuti basa rimuke
Rudo siri rudo rwunoonekwa nekupa

Ndingayemurei pamifambanyore asi makuwa?
Ndingayemurei pakudziwira mimba asi chipfambi tekeshe panyika?
Ndingayemurei vana vogara mumigwagwa mumaguta
Kare kwaive neukama- vatorwa vaitosuduruka

Ukama hwekuchengetana
Ukama hwekudyidzana
Ukama hwepanhaka dzevazukuru naana sekuru
Nhasi ndiani achaida iyo nhakayo?
Nyika?Nyika? Ndinoyemurei panyika?

Ndozosekera muhapwa zvino
Ndinoseka sezvinoira handisakambozvara
Sekera mudende kana vakazvara
Mwana wanhingi akafara mangwana kwako
Afa nemukondombera chemawo nevasara
Mangwana kwako

Ndinotya nyangwe kutuka mwana wako
Nekuti ndinosekwa sei iwo vachinditi kuzvara kunorwadza
Kuzvara kunorwadza asi ndinofa ndiri mombe here?
Ndoitwa danhiko nepwere here nekuti handinawo mwana
Ndosekera zvangu mudende nekuti mangwana ndichazvarawo

Raiyevedza budzi jena-chena ndaimbove naro
Ngano haitani kuvapo
Kana ivhu radya razvimbirwa
Nezita seraireva zvaitevera tikapa
Tasara iye Mwari akatorawo zvedi-tikasara

Inonetsa yemudiki nhaka kugova
Nekuti nevangapfekedze nhumbi nekuwana vanonetsa
Ndingada hangu rwemukuru rufu
Nezveanoda pabepa anosiya anyorawo

Asi zvakadaro
Chivi ndingatatadza kurawa here?
Rairo ndingatadza kupa here
Wenyu vana hama?
Munodirei kundikododzvora
Paronda rangu remake nedikisa?
Ndofa here ndiri mombe meso angu achiona.