Kana ukaitewedza nyika
Kana ukaiongorora
Chokwadi ifa uri mombe
Nyika haichina payo, yaora, yaipa
Ungazvidzwa nokuda kwairo shoko
Shoko roupenyu, ravanoona soupenzi
Shoko redenga, rinobvisa upenzi
Usatukawo saivo-iwe ifa uri mombe
Ukapomerwa uipi
Usina iwe uipi
Uine utsvene pauipi
Ifa uri mombe –rega vareve vanaMafira kureva
Vakakuti ubate zangata navo
Uwati vabata bhuku tsvene navo
Vakati huya utore zvinodhaka
Uwati huyai mutore ruponeso
Wanga kushamiswa muromo
Asi mazwi ndeako
Taura zvoukuru hwaShe
Usanete kuita zvakanaka
Ukaona wave kuneta
Nenguvawo yakwana
Yokushinga kutaura zvoutsvene
Yokufa pazvivi uve muupenyu pamweya
Tukwa usarambe
Rohwa usarambe
Nekuti nekurohwa vadzidzi vakakunda
Nekurohwa mambo Jesu wakakunda
Wakafa vari rombe –neupenyu tikapihwa
Newe mwachewe, ifa uri mombe.