Vakambonzwawo here marwadzo enzara?
Uchiona ari pedyo neve akaguta
Achirasa chingwa nokuguta
Paunoti unonge udye voona chingwacho chatoora chine makonye

Unoaziva here marwadzo okushaya mwana?
Uchiona ari pedyo neve asingadi mwana
Achitoti akaita mwana orasa mudondo
Paunoti unonge uchengete zvako
Voona Ishe wedenga watora mweya wavo kare

Vakambonzwawo here marwadzo
Okuda kuziva kuti baba vako ndiani?
Apo vobvunza votaurirwa kuti paungano iri pedyo neve
Iungano yekuchema baba vako,mweya wavo uchangobva mavari
Zvinodzimba mwoyo kuziva baba vao ivo chave chando

Unoaziva here marwadzo
Okuforera basa une tariro?
Mwoyo wange wadzvanyiriwa nebwe
Kuona mukuru webasa achisiya iwe wakakunda muzvidzidzo
Achitora hama yake yakakundikana muzvidzidzo

Zvinorwadza zvinodya mwoyo kuzvifunga
Asi ndicho chokwadi chenyika yatave kurarama mairi
Nyika ine chiokomuhomwe isingadi zvapachena
Nyika inoshandisa suwo reshure remberi riripo
Kana usina kumbonzwa marwadzo aya chenjera kuanzwa

Zvinorwdza sei kuda munhu
Iye asingakude nerudo rwumwecheterwo?
Paunofa neuzvibata nekuzvchengetedza
Iye okuwigira chipo chomukondombera?

Ungasanzwisisa zvose izvi asi chenjera muupenyu
Kuti marwadzo muupenyu akasiyana siyana
Ungange uine akowo marwadzo
Wakacherechedza here kuti anodzura mwoyo sei?
Ndiwo marwadzo andinoreva kuti wakamboanzwa here?

Unoziva here marwadzo
Okuti unoda kwazvo nekugona chikoro
Vashairwa mari onzi siya chikoro unofudza mombe
Uyo anobhadharirwa mari yose yechikoro
Usingadi chikoro asi doro?

Ndivo marwadzo epanyika
Okuti mapudzi anowira kusina hari
Marwadzo okuti anokudzura mwoyo
Ukasara usina pokutangira
Ndiwo andinoti, vakambonzwawo here marwadzo?