Ndinotya kuti hongu
Nokuti honguyo yakaendesa vazhinji kumarinda
Uko vanorinda vasingazivi remangwana
Nokuti honguyo chakapedza mbudzi vamwe vakaendawo
Vamwe kuchipatara vakoti vashaya chaipo panorwadza
Ndinoda kuti kwete
Asi muimbi akati rambawo zvimwe varaira
Naiyo kwete vangu vabereki
Ivhu rakashamira rikamedza
Vati kwete gandanga havarizivi
Naiyo hongu
Vangu vatete rwendo vakarutora
Vati kuvapfuuri hongu gandanga vanoriziva
Saka ndikabvunzwa ndichati chii?
Hongu inouraisa
Kwete inouraisa
Chitsvene zvino panyika ndechipi?
Ndofa here ndiri mombe zvimwe ndichiziva
Utsvene chii utsvene kana umbwende?
Gunguvo zvarakatya mapapata aro mangani?
Izvo vanhu vakataura vakapihwei?
Naani?
Ukaona benzi rokuti ndinokurova
Ibva vatya, nokuti pane charakatsika
Nyarara saJesu
Nekuti nerufu kana marwadzo
Zvose nekunyarara asingatyi akakunda
Ndinotya kurasisa mweya wangu
Nekuita nekutaura zvisina maturo
Ndinoziva kuti ndichashinga kuti hongu pane chakanaka
Kwete pachivi nekuti Denga richandipindurira
Upenyu nduramo hunotyisa kurarama
Usingaziwe zvaunonga uchiziva iwe wati kwete
Ndinotya , ndinotya, ndinotya
Tenzi ndipei ushingi ndisatye
Ndinotya kuona vaduku vachiparara kuchisara vatana
Ndinoya ramangwana risina vatungamiri
Ndinotya ramangwana rizere vatana risina vadoko
Tenzi yamurai vadoko vatye chivi vararame
Ndinotya kuvatsiudza
Nokuti havadi kutsiudzwa pachakaipa
Icho chinonaka sechakanaka
Icho chizere nduru negavakava
Tenzi ndinotya kuti varasike
Ndinotya, ndinotya, ndinotya.