Arimo mavanga muupenyu
Anouya nenzira idzi nedzodzo
Mawanga mamwe anouya nokuti Yawe atendera
Anotendera kuti mbiri yake ionekwe
Nemamwe mavanga
Anokonzerwa nevamwe vanhu
Vanhu vanoita sevasingaziwe kurwadza kwemavanga
Ivo vachiziva zvavo

Wangu moyo ropa rinojuja
Mavanga angu aramba kuporanokuti nedikisa ndinongojungwa misi nenguva
Nevagoni vepwere vasinadzo
Chashata mumhuri hakuna godobori kana hakata inobvunzwa
Muroyi ndini Nyakushaya bodzi panyika

Nyika ibofu pane zvinondidya moyo
Iyo inoona kukundikana sendakazvidawo
Unodaira waani mwana akadaira
Unotuma waani mwana akaenda iwe uchinzi tanga waita wako ugotumawo
Zvinoreva here kuti ashaya bodzi panyika ashaya nezivo?

Zuva nezuva senzuma inozvidya moyo
Ichifunga chakadya dzayo nyanga
Ndinofunganya , ndinodindita , ndayaura
Ndinofunga chandakasekerwa nedenga
Tariro yose yadzama samadora
Yaenda naHazvinei rororo

Chandinoziva musemwa chinhu chimwechete
Achida zvake Nyadenga
Vaindiseka muchanyara
Ndoita vanyambiri sembudzi yemugura
Ndikati vatatu mungazoti ndinovirima
Asi chandinoziva,Nyadenga unogona
Ungasazoitira zvake ini,asi anogona kuitira zvake vamwe

Asi akangoita manana okuitira iye ini
Mazita kare ndakatonyora pasi
Ayo semvura ndichanaisa kumapudzi aya
Ndikapihwa manyambiri angu
Ndichadada ndichidana ndichiti “Nomtantazo naNkosinathi”
Anova Nomunamato naMwarianesu
Akauya riri zai regondo tochiti Nokuthula(Nerunyararo)

Maronda oupenyu mazhinji
Kunoti okushaya vana
Kwogoti okushaiswa zano neivo vana kune vane vana
Kwogoti kuroyerwa vana wacho nevagoni
Zvizhinji zviripo panyika, uturu hwemavanga
Asi guru vaose pachivanhu chedu
Shaya mbereko ,unoungudza ukadindita.