Ndikatarisa vakadzidza vose
Nemwoyo shungu dzovhaira
Pasi go, chisero bwa ndorangarira

Sei vazhinji vakadzidza vachitorera vasina kudzidza nezvinyoreso?
Sei vazhinji vakadzidza vasina hunhu?
Vakadzi vanopfekerei zvechirume?
Varume vanoiteiwo nemisoro yawo
Vakadzi vanodirei kutonga varume?
Varume vanozvidzirei mbabvu dzawo dzakabva pawari?

Ndine bundu pamwoyo
Ndine shungu kwazvo
Kwete dzokudzidza
Kwete dzekusadzidza
Asi shungu dzeupenyu hutsvene

Sei vane mari vachishandisa vasina?
Sei vanhu vachisekana padambudziko?
Ndinotsvaga neshungu
Munhu ane nyasha nehutsvene
Kuti atsvenise vasina hutsvene

Dzidzo yashaya hutsvene chitukiso
Nokuti imari yakaerera nejezi
Yakasungirwa pagumbo negarwe yaenda
Shungu dzangu ngedzekuti
Vanhu vaonane semhuri imwe
Sokuti hapana anorarama oga
Murombo anoda mupfumi
Kuti imuke mari
Nemupfumiwo anoda murombo
Kuti riendeke basa
Ndine shungu dzokuona vanhu vose
Mumabasa udzvanyiriri hwapera