Ndinofara kuti ndiri ini
Mwari nehumhizha hwavo vakandiita ini
Ini ndikazvigamuchira kuti ndiri ini
Handidi kuva iwe, ngana kana ani
Handidi kuva vekumba yekwangana kana ani
Ndinofara kuva ini nezvandinazvo
Ndizvo ndine zita rangu ndoga
Nokuti ndiri ini
Anga fanana tichidaidzwa
Asi handingazombova iwe

Hazvinei vamwe vangaseka vakati
Chikoro chinoramba asi kunhandare ane mare
Hazvinei mwachewe, chikoro makasi
Chikoro pasina , gunguvo rakapona nehwaku-mukwaku
Yakabika wani mabwe yekwaChivi chembere muto ikaseva
Chikoro kana charamba ndinoedza zvimwe
SaSakala Julia ndichacheka mhepo
SaChimusasa Tendai ndichabhururuka munhandare samare
Upenyu mberi ndinoziva ndinahwo
Nokuti muumhizha hwaZame ndakazamwa kuva ini

Ndichamhanya saiwo asi ndisingazova iwo
Nokuti Zame akaita ini kuti ndive ini –ivo vave ivo
Vamwe vanoti ndinoramba shanduko
Vamwe vakati veshure kwenguva
Zvose mangezvo ngezvo kutandavara kwehuku hazvindishanduri
Kwandiri kuhamba nenguva chii
Kana nguva iri hokero yematambudziko?
Shanduko chii kana iri hwezva mapanga erufu muupenyu?
Nguva chii kana iri dura rezvirwere nematambudziko?
Hazvina maturo , hazvina maturo.

Zvine chipundutso chei kuti ndizame kuva iwe , uyo kana ngana
Ini ndiri ini?
Zvine chimuko chei kuva hwai
Mukati chiri chidembo?
Kushama vanhu votsikitsira?
Zame vakati achava vaachava
Neni nditarisei mugoona
Ndichava zvandiri nokuti handidi kuva ngana asi kuva ini

Nguva zhinji vazhinji vanotorwa nemhepo sehotwe
Zvipfeko zvinovashandura sekushanduka kwazvo
Nhasi nezviketi zvipfupi pfupi ngondo ngondo vatorwa
Mangwana nemijivha vhai vhai vovhakaira
Ndinovaona zvangu nematumbu panze , semufushwa wemunyemba , vhudzi romonwa
Handivashori nekuti ndizvo zvavari
Handivavengi , handivaseki kana kushuvira kuva saivo
Ndivo, ndizvo zvavari ini ndichava zvandiri
Hazvinei vanondiseka
Hazvinei kuti vanoona kukoneva chikoro sekukonewa muupenyu

Mwoyo unombobvorongwa ndombonzwa chinepfu
Mwoyo unombobuda muchipfuva
Kana ndosekwa zvangu zvokumhanya zvasvika
Kana ndotamba nhabvu sendasutswa
Ndakazodzidza iyezvi
Kuti maruva ose anoyevedza
Asi haasi ose anonhuwira
Ndakadzidza nokusekwa uku
Kuva mugamushira zvose homwe yerombe
Nokuti hupenyu chii husina nduramo?
Upenyu induramo
Ndichararama ndiri ini
Newewo iwa iwe kwete ini kana ngana.