“Munhu wese, huya!” akadeedzera Tin. “Ngatipemberere! Kana kuti muri kuda here chikwata cheWe Can Band kuti chikubatsirei?”

“Yebo, hongu!” mhomho yakadeedzera.

Tin akatarisa-tarisa. “Chikwata chacho chiripi? Haa kana, handisi kumbovaona pavari. Haingamboita pati pasina chikwata cheminhanzi. Ndichatoda kubatsirwa. Chikwata bedzi ndicho chinogona kubatsira pane zvandiri kushuwa! Tin akanyemwerera achitarisa kumhomho. “Kutanga, ndichakumbira varovi vengoma vaviri.”

Neo naHope ndivo vakabva vatanga kusimudza maoko. Pavakakwira pasiteji Tin akabva avaendesa pane magaba makuru ekofi mana aive nezvivharo zvepurasitiki. Magaba acho aive akashongedzwa nemapepa anopenya nemabhatani. Paive zvakare netwumiti twekurovesa ngoma utwo Neo naHope vaizoshandisa.

“Parizvino tave kuda anoridza hosho,” akadaro Tin.

“Josh! Torai Josh!” akadaidzira kudaro Neo.

“Pana Josh here apo? Josh aripi? Ngatimuunzei pamusoro pano,” akaseka achidaro Tin.

Josh akabva asimudza ruoko. Varume vaviri vakabva vasimudza wiricheya yake vachiisa pasiteji.

“Tigashire, Josh,” akadaro Tin. “Edza kushandisa hosho idzi mbiri.”

Josh akabva azunza yekutanga ndokuzozunza imwe yacho. Dzairira zvakasiyana.

“Zvakanaka,” akadaro Tin. “PARIZVINO, REGAI…”

Asi asati atombopedza zvaaida kutaura, pakabva paitika ruzha rwunovhara nzeve. Munhu vese akatarisa-tarisa kuti chingava chii.

Zvadaro Noodle akamhanya nepakati pesiteji, achidhonza kumashure magaba aive akasungirirwa pamwe chete netambo.

“Maungira ngaatange!” akadeedzera kudaro Tin. “Ndakafunga kuti ndaive ndadzirasa.”

Bella akabva amhanya akananga kusiteji. “Noodle!” akadeedza kudaro. Noodle akamhanya kuna Bella, magaba achirovana zvine ruzha kumashure kwake.

“Zvakanaka,” akadaro Tin achiseka. “Ndinofunga kuti Noodle ari kuda kubatana nechikwata cheWe Can Band. Uye ndinofunga kuti ari kuda kuti ubatanewo nesu,” akadaro, achinongedzera kuna Bella.

Tin akabva abatsira Bella kukwira pasiteji uye vakabva vabatsirana kusunungura magaba aive akasungirirwa pamuviri paNoodle. Zvadaro Bella naNoodle vakabva vaenda kunomira pedyo naNeo, Hope uye Josh.

Tin akabva adenha tambo dzegitare rake ndokuti, “REGAI MUMHANZI UCHITANGA!”

Apo Tin akanongedzera kuna Neo naHope, vakabva varidza ngoma dzavo. Tin akabva ave kuimba, “Gumbo rekuruboshwe kumashure,” ndokunongedzera kumhomho.

“Gumbo rekuruboshwe kumashure,” mhomho yakaimba kudaro.

Zvadaro Tin akanongedzera kuna Josh ndokubva atanga kuridza hosho dzake zvaienderana nemutinhimira.

“Gumbo rekurudyi kumashure.”

“Gumbo rekurudyi kumashure,” mhomho yakaimba kudaro.

Tin akabva anongedzera kuna Bella. Mutinhimira wemagaba waibuda zvakanaka Bella paaimavheesa achimarovanisa. Noodle akashamatata nekufara.

Pasina nguva pati yainge yanyatsotanga. Tin aiimba nziyo dzake ukuwo Neo, Hope, Josh naBella vachiridza zviridzwa Uye Noodle aipindira nekushamatata pakuimba pano neapo!

Zvadaro vamwe vaimbi vakaimba mumwe nemumwe rwiyo rwekunyika kwake. Mhomho yakapembera nekufara ichirova maoko. Vakanakidzwa nemutambo!

“Maona,” akadaro Tin kuchikwata cheWe Can Band, “boka diki iri rabatsira pakuzadzisa zvange zvichishuvirwa! Maita basa chaizvo imi vanokwana vana … uye Noodle, munhu wese anakidzwa nepati!