Neo, Josh naHope vaive pamba paGogo. Vaitaura nekuseka zvine ruzha.

“Shhhh!” Gogo vakadaro. “Handichatonzwi zviri kutaurwa paredhiyo. Huyai, ngatiteererei tose chirongwa chandinofarira zvikuru.”

Vose vakabva vati zii ndokutanga kuteerera. Chiriporipo vakabva vanzwa mushamarari achitaura zita repaki yavo.

“Haa! Ende paki yedu yakakurumbira!” akadaro Neo.

“… uye Tiniso, uyo anozivikanwawo nekuti Tin, achaita mutambo wake mupaki iyi masikati ano pamwe nechikwata cheWe Can Band. Vaimbi vanobva kuZimbabwe, Nigeria uye Malawi vachange vachiridza. Munhu wose akasununguka kuuya kupati!” akadaro mushamarari.

“Gogo,” akadaro Neo, “mazvinzwa here izvi? Vati munhu wose akasununguka kuuya. Ndapota tinokwanisa here kuenda? Ndapota?”

Gogo vakabva vatarisa Neo ndokunyemwerera. “Kana Josh uye Hope vachibvumirwa kuenda, newewo unogona kuenda,” vakadaro. Josh naHope vakabva vati chitsoka ndibereke vachibuda mumba kuti vanokumbira vabereki vavo mvumo yekuenda kupati yaizoitirwa kupaki.

Pavakadzoka kuti vanotora Neo, Hope akabva audza Gogo kuti Bella naamai vake vainge vari kuendawo.

“Zvakanakai, saka endai zvenyu. Rambai muri pamwe chete,” vakadaro Gogo.

Kupaki, Neo akaona Bella namai vake, uye Noodle ange auyawo! “Ndinofunga kuti munhu wese wemutaundi rino ari pano,” akadaro Neo. “Kusanganisirawo vanhu vatsva.”

“Inzwa …” akadaro Josh. “Asi vamwe vanhu varikutaura mutauro wechiFrench?”

“Hongu!” akadaro Hope. “Uye ndiri kunzwa zvakare mutauro weChichewa neChishona.”

Neo akabva abata ruoko rwaHope. “Tarisa uone,” akadaro, “Tin ndiye ari pasiteji! Asi chikwata cheWe Can Band chiripi?”

Hope asati atombopindura, Tin akabva aenda pane gudzanzvi. “Makadii!” akadaro. “MAGADZIRIRA HERE KUTANGA PATI INO?”

“Yebo, hongu!” mhomho yakadeedzera.

Tin akabva atanga kuridza gitare rake. “Nditevedzerei,” akadaro achitanga kuimba. “Gumbo rekuruboshwe kumashure.”