Kana tikaita zvipi nezvipi
Tichida kuti nyika ifare
Sare isu tisingafare
Hazvina maturo-kunongova kudzinganisana nemhepo-hazvina maturo

Tikafadza vapfuuri
Vatigere navo vakasuva
Tinonga tichiitei?
Zvinonga zvichizotipei?

Kana Zame achiti tidane nerudo rukuru
Isu tovengana sendumudzanwi
Mugowe wedu wakatimirira
Nokuti taita zvisina maturo

Wehama zvose zvisina maturo
Zvine nzvimbo yazvo yazvogumira
Nzvimbo isina maturo
Nzvimbo yemoto

Nzvimbo ine moto une rimi zizimbe
Rinopisa vasina maturo
Ndivo marimi anopa maturo
Kune vanotya zvisina maturo

Mwachewe, godo,rushusho neruvengo
Imviro-mviro dzekuroya
Izvo zvinova zvisina maturo
Hamawe , zvakaipa zvose hazvina maturo

Ndikagara nzvimbo nenzira isi tsvene
Ngandiziwe kuti rufu rwakandifudza
Nekuti upenyu panyika hakuna maturo
Hahuna, hahuna, hahuna maturo
Kunongova kudzingana nemhepo chete.