Yaerera nejezi nyika takatarira
Tsika dzangove suku nasai danda rakaora
Mapunapuna kareko aiera
Nhasi ndivo wave mupfekero wevose

Zvaishura baba kuita mwanasikana mukadzi
Nhasi votoitisana vana nokuda kwemari yemuromberwa
Iko kareko haaichekwa sehuku munhu
Asi nhasi rave dambe
Rwave rumbo rusina anoramba kubvumira

Yaerera nejeza nyika yaparara
Kudana jaja nemhandara zvonga zvinoera
Zvaisiera kare nhasi ndizvo zvisieri
Zvaisiera kugara mbabvu dzomusikana asati ave mumba

Nhasi vogara mudzimba dzisati dziri dzimba
Zvaisiera kudana panzira
Zvaisiera kugara pasina kuzivisa
Nhasi vongogarisana pamadiro avo
Aisiziva madziva kare
Angova madiva pwere nhasi

Chii chinonzi jechetere?
Chii chinonzi kubva zera?
Haasiwo mazambuko ekuyambukira kunyika yenhamo?
Mukadzi nguvo dzeukadzi tsve, ndave baba ndode midhebhe
Hevo ave machongwe maviri mumba
Vana yangove jakafiri nhaka yamakonzo
Nokuti vanoti vane kodzero dzokuita zvavanoda
Ichokwadi yaora nyika
Yaenda nejezi

Musikana nyeredzi yedenga
Haachadi musha
Anoda mwana asina baba
Zvanzi ndinoshanda ndinozviriritira

Yaparara nyika yaerera nejezi
Mai nemwana vanoronga kumukira baba
Kubvisa mimba kwaiera
Nhasi kwave pamutemo
Zame anoti tisauraye
Nyika inoti tiuraye
Kubvisa mimba kuuraya

Zame anoti tisaita choupombwe kana kuchiva
Nyika inoti pombai asi pfekai zvikweshe
Zame anoti tisatore cheumwe nechisimba
Nyika inoti irwa kusvika vachiwana chaunoda
Ndiko kudii kupikisa Musiki?
Ndiko kudii kurova mbama munhu akabata gidi
Nyika yatamba nemoto
Kuudzimura hauchabvira watekeshera
Vatsvi vanosara vane mavanga emukondombera

Saka vakati vakuru
Hapana muchero usina masvisvina
Farai pakueredza nejezi
Asi upenyu mutoro pamberi
Zame anoti berekanai muwande
Imi mochata murume nemurume,mukadzi nemukadzi
Farai kwazvino ,mudindite
Asi panouya shamhu yaYawe isina anodzivira
Munoyaura mukashaya angabatsira.