Rusununguko chii?
Rusununguko rwunorevei kwauri?
Wakasununguka here?
Pfungwa dzako dzinogona here kuti kwete kuchivi?
Pfungwa dzako dzakasununguka here kuti kwete kuhuori nemhaka?
Wakasununguka here kusarudza
Kusarudza zvakanaka pane zvakaipa?
Wakasununguka here kumirira zvakanaka
Rusununguko rwunopa here munhu
Mukana wokubira vamwe zvinhu zvavo
Rusununguko rwunoti munhu aite ruchiva here?
Rwunoti here tibate chibharo,toroorane nekurambana
Rusununguko zvinoreva kutyora mitemo yenyika here?
Rusununguko kudzvanyirira vari pasi here?
Rusununguko chii?
Uori here? Kwete! Kwete! Kwete!
Saka ndiani ane kodzero yokusununguka?
Kuti ngevane mari?
Kuti ngevasati varoora kana kuroorwa?
Munhu wese akasununguka here?
Zvakuchinzi munhu anozvarwa akasununguka
Asi ari muusungwa kwose kwose
Handina rusununguko
Handifariri rusununguko
Kusvikira ndanzwisisa
Kuti rusununguko zvinomborevei
Kuti rusununguko hazvirevi kudzvanyirira vasina simba
Asi kuti vanhu vasununguke kunamata
Kuti vanhu vasununguka kutaura,kuita nekufunga
Kane vave kuita zvinodiwa nemitemo pasina uori
Ipapo ndichadaidzira kuti ,
Rusununguko! Rusununguko! Rusununguko!