Runodederesa
Runotyisa rufu
Runovhundutsa
Harujairike rufu

Rufu mweni anouya pasina mhangano
Mweni asina ndajaira
Muvengi kuvazhinji
Munatsi kuvatadzi

Munatsi kuvafi,rufu
Vafa nerufu vanatswa
Mhondi,mbavha,varoyi nerufu vanonatswa
Nerufu ave mudiwa, mwanangu a-a baba
Ndiyeyu akambondikwidza muchovha
Taisii svonda naye achiri svava kani?

Ko zvanhasi zvoumhondi neumbavha zvaendepi?
Ko zvouroyi nokunyepa nemakuhwa zvaendepi?
Yangova mari yakazomushandura
Jambwaro ropuhwa kumari- ungati ndiye ega atanga kubata mari
Yangova mukadzi waakaroora akamupandutsa
Jambwaro ropihwa kumukadzi-ungati ndiye oga atanga kuroora
Yangova chokwadi aive munhu kwaye kwazvo
Ifa unake hako hama

Kurangarira zvaibatwa nemufi zvinotyisa
Zvino zvitema zvinotibikira kupenya kwezuva
Asi parufu , mufi ava chidadiso chakakomba
Mhodzi yorufu runatso yanatsa mufi
Zvinotozoonekwa kana yaomera
Mhodzi yemabasa omufi

Ave marehwa rehwa mushure mekufa
Nhasi onziamuka zuva rapasi pausiku
Otaima nekudzinganisa vafambi pausiku
Asi nerufu akanatswa akava mubati kwaye panyika

Nguva ,murapi nemhinduro kuzvose
Kunaka kweparufu kunopfuura
Chokwadi chozozvibudisa
Ifa zvako iwe muipi
Unatswe nerufu
Pachitaurwa nhema dzoutsvene
Mwoyo chokwadi uchiziva zvouipi
Afa chokwadi anaka

Runotyisa rwunodederesa
Asi rufu rwunombonatsa.