Dambudzo hariurayi
Izambuko revashingi kuushingi
Kushinga mutoro waNdingadii?
Ndingadii ini ndave mudambudziko?

Handinei nenyika inondishora
Kushora ndivo mugariro wevane godo
Nemumba chaimo mandogara
Ihondo yamazwi nepfumo nemashoko

Vana vangu chaivo havandinzwisise
Vanondishora havandinzwisise
Nokuti kwavari mitemo yangu kwavari
Makomo asina ukwiriko

Ndoregerawo here mhodzi yangu ichiparara
Ndoregerawo here mhodzi iyi ichifamba pamadire apaidamoyo
Ivo mapanga ,pfuti nemakano, mapakatwa
Achida dewedzo yemunhu ropa
Ndingaudzawo ani nhamo yangu ini Mufirwi?

Kubasawo nhamo ndiko yakadzika midzi
Jambwaro muteverere
Zvakatanga sejee
Bvepo zvatokombera
Ose anorema mabasa ndini muiti
Ini ndinerembongora ropa
Ndofa zvangu ndiri mombe
Nokuti kufa hakuurayi