Hazvaimboda anotukirira
Hakata, svikiro kana muprofita
Ndoga ndakatarisa ndikaona
Achizaziswa magwaro matsvene
Ndakatarisa ndikaona
Ikauya imwe yezvipfeko ikapfuura zuva nezuva
Hondo nayowo ikavepo panyika ikapfuura

Ndakatarisa ndikaona
Nzara ichivapo panyika ikapfuura
Ndizvowo nezvirwere panyika zviripo mbwerere
Nemishonga zvimwe zvikashairwa
Ndakaisvocherechedza
Ndikaona magwaro achizadziswa

Ndakatarisa ndikaona
Kupandukirana kwamarudzi kuripo panyika
Nokuda kwehupfumi hunopfuura
Ndakaona magwaro achizadziswa

Ndakatarisisa ndikaona
Zvaisiitwa kare nhasi hazvichaitwa
Ndakatarisisa ndikaona kuti nyika yaparara
Yarova nyika yaparara

Mapfekero ezvigwishu aisaveko
Ngeenhasi haasiri akare
Varume kana vakadzi vaisaroorana
Ndakatarisisa ndikaona
Kuti chokwadi Ishe wedenga
Ave pedyo nokuuya

Ndakatarisisa ndikaona
Panyika pasina chaicho chinganzi chitsvene
Mota , inyore pakufambisa
Asi ndizvowo nekufa kwacho
Inyore kufa nerufu rwemota
Ndakaona panyika pasina chitsvene.