Wakandisiisa chikoro panzira
Nerudo rwako rwaitapira seuchi
Ndikafunga kuti nyika ndairuma seuchi
Tikatsidzirana pamberi pechita chavanhu
Kuti hakuna chimwe chingatiparadzanisa kunze kwerufu
Asi iwe mumwoyo uchitoziva zvako
Kuti pevako mwoyo pane nduru negavakava

Zvinondirwadza nhasi pandinoti papama
Ndoona hangu hupenyu hwangove mvemve
Risina karimo asi kutsikirwa pamusuwo nevagoni
Iwe hwako upenyu rave zuva richangobuda
Panguva yezhizha kusia kana nekakove
Kundiona wako mwoyo womira
Wondisema seunoona chidembo chafira mundiro yaunodyira
Unodarireiko mudiwa wangu?

Nhasi woshanda mabasa makuru
Aunotochinya zvako sembatya
Kudhorobhako woona vane bvudzi refu
Rakakangwa rinonhuwira seyenguruwe nyama
Yakangirwa chikomba nemwenga
Ini wondifuratira wondikanda gotsi
Unodarireiko nhai chido chemweya?

Uchayeuka here zvawaimbondiwimbisa?
Uchiti tichazoita umwechete mwana
Tichienda kudzivi kure nyika kumafaro
Tichipembera tichifara semherepere
Dzinopembera mvura yanaya
Tichidya mafuta enyika tichidana
Asi nhasi wodya woga mafuta aya,wofara woga

Zose zvataimbowimbisana zvave ngano
Iwe vodyiwa neguta rikaguta
Zvangu vabva vagutawo newe
Wopembera nemichovha navana mainini vaponesi
Vanoponesera kuparadza
Vachinyinda negweta ufewe
Chisakamboonekwa pasi pezuva chii?
Chavanokupa chandisinawo ini chii nhai mudiwa?

Uchayeuka here nganonyorwa dzataimborava kuchikoro dziya?
Uchayeuka here raChiunduramwoyo “Ziva Kwavakabva”? Rimwe VaChiunduramwoyo vakati, “Uchandifungawo”
KO riya raVaChigidi “Mufaromwena”?
Haundikanganwi raHamutyinei riya “Kusasana kunoparira”?
Kwamanje ndakanzwa kuti wakatenga raChakaipa “Garandichauya”
Ini ndakatenga yaDembo rekodhi “Upenyu mutoro”.
Hazvinei mudiwa , wave wevamwe, asi…