Maita mutsamwireiko wedenga ?
Zvamarova shamhu kuna mai yopotera nokumwana?
Makatanga neZimbabwe
Makairova neshamhu isina uvhiriko
Makairova neshamhu yenzara zuva ravhika muna 1982
Mugore ra1992 mukapindazve neshamhu imwe chete yenzara
Mukazazisa neshura guru rekutora mai Sally vana dzikava nherera
Matsamwireiko aya Wedenga?
Chakaona mumwe chokwadi hachisekwi
Muvakidzani wedu Zambia
Mwakamuitira maninji manana chaivo
Okuona nyama yaunoda kudya
Honye dzofamba takanya takanya
Ishurai rokurova munhu shamhu akabuda ziya otonyongodeka
Kumubata kuedza kubatsira kwotopukira kutsamwa kwenyu
Vanodudzira vakapa shamhi iyi zita “ebola”
Shungu dzenyu dzichivhaira pamusoro peZambia
Makazhwakatazve mugore1993 neshamhu isina uvhikiro
Mukaturunura vatambi webhora muchadenga
Vakawa nendege rororo
Maita mutsamwirei?
Matsamweiko wedenga?
Zvamorova nyika dzose bonderere
Mozambique makaitirawo nenji padunhu
Mukaturunura VaMichael kuchadenga
Vakawa nendege rororo
Nhasi 2001 nezuro 2000
Nemvura mukaparadza nyika yeMozambique
Ishunguyi dzinoita kuti mwana azvarirwe mumuti?
Ishurayi rawira Mozambique makore akaberekana?
Mumwoyo makanzwa shungu dzichingova mavhai vhai
Mukaponda nyika zhinji nezvirango zvisina vhikito
Takati gorero zvavana Rwanda/Ruwanda
Tikati zvimwe ngezve Iran neIraque
Zvokubvutidzana nyika
Tikaona a-a, pfumoro raenderera
Pwere, harahwa,chembere nemikweshwa
Makazhwakata neshamhu yenyu yehondo
Nepfumo renyu renzara
Vanikwei Rwanda yaparara sekutamba
Matsamwirei okutorera vana vabereki?
Zimbabwe makatorera mai
Hoyo togo hamba Sally
Akati sarai mugarike
Zuro nanhasi
Samora akaendazve
Sarei vana dzave nherera
Mai sarei,varoorwa, vaenda
Nhasi Dr Congo baba Kabira vatisiya
Siyei vacheche vongochema voshaya zvokuita
Zvanyanya Samatenga
Zvanyanya Samasimba
Gore razuro 2000 neranhasi 2001
Mapura South Africa (Durban Natal) nebinyi re “cholera”
Kutapukira kuZimbabwe,Mozambique,Swaziland neZambia
Ndiyo huruva ye “cholera”.
Maona zvisina kukwana
Shungu dzichiri kuvhaira semvura pachoto
Mukafunga kuzhwakata nyika yose nebinyi renyu
Ndirori binyi jikerere nyika yose bonderere
Voenda kumazivandadzoka vakuru nevacheche
“AIDS” binyi reshungu dzenyu Yawe
Matsamwei Zame ?
Kurova mai nemwana makafuratira mwoyo?
Zvivi here zvorovesa nevacheche?
Inga makati vani
Munhu umwe noumwe anotongerwa zvake zvivi
Ko vana marovereiko nekuda kwezvivi zvevabereki?
Zvino vofirei nemukondombera vacheche?
Kuti matsamwira kubvumidzwa kubviswa kwemimba pamutemo?
Kuti inyaya yevarume vave kuita michato voga?
Kuti inyaya yevakadzi vave kuita michato voga?
Pada ndizvo
Nokuti kubvisa nhumbu kuuraya
Yawe haabvumiri kuuraya
Pada ndizvo
Nokuti Yawe akati mukadzi nemurume vacharoorana
Vagozvarana vanhu vagowanda
Zvino yave kuitwa iyi
Vanhu havangawandi
Chokwadi mune chikonzero Yawe
Chokuti mutsamwe murange vana venyu
Vasiya gwara renyu
Vave kutevera gwara ravo
Ndicho chikonzero marova nyika yese jikerere
NeUganda gore repaseri nerenhasi 2001 “ebola” yaiveko-shamhu yaShe
India 2001 makaibata nemuoko wenyu azere neshungu
Mukaizunguza,mukabva mawiga moga wafi Baba