Chine tsinye gomba chikwekwe
Inenge yenda
Inoruma tenzi akaitakura
Tsinye inenge yerovambira
Inotemera kuodza

Chine tsinye,chine tsinye
Hachidi kushanda
Asi chinoda kushandirwa
Zvipuka zvichibinduka kutsvaga zvokudya
Icho chichizvikweva ropa chikwekwe pamadire

Chokanganwa kuti rufu rwakachirindira
Zvirimo zvikwekwe kunyange nomumabasa
Zvinoda kushandirwa navamwe
Izvo zvonge zviri pamudyandigere
Ivo mudyandigere uchigere kusvika
Asi izvo zvichidya zvigere

Zvinotora vakadzi vevamwe mumabasa
Zvovapinza mumabasa
Zvovabhadharisa nemiviri yavo
Zvinoshandisa vamwe mumabasa
Izvo zvotora zhinji neisiri yazvo

Zvinoasiya mabhatye muzvituro
Zvichienda kunzvimbo dzisina maturo
Zvodzoka zvotaura twusina maturo
Zvichiona sezvinotaura twune maturo
Zvopinza nevamwe vanhu mabasa vasina maturo
Zvichisiya vanhu vakabudirira kwazvo vane maturo

Hapana nzvimbo isina chikwekwe
Nemudzisvondo zvikwekwe zvirimo
Zvinorasisa avo vari mugwara roupenyu
Zvovakwezvera mugwara rokuraswa
Nemuzvipatara zvirimo zvikwekwezvo
Zvinotora mishonga zvisiri pamutemo

Zvonotengesera vanhu kudzimba seuri pamutemo
Zviito zvizhinji panyika
Zviito zvoukwekwe
Ukatorera mumwe mudiwa wake
Ziva kuti uri chikwekwe
Kana uchishandisa vamwe
Iwe ugere zvako uchifara
Ziva kuti uri chikwekwe

Muzvikoro zvapamusoro soro
Nazvo zvikwekwezvo zvirimowo
Zvinotora tuso dzeumwe mwana
Dzichipa hama dzadzo kuti dzibudirire
Chakambondiruma chikwekwe ichi
Chinorwadza mwachewe
Iwe chikwekwe chenjera
Musi vaunoshaya vokukweva ropa
Uchafa nokushaya ropa.