Kukwirapo ihwiriko isina matauriro
Nedzidzo yepo mukwidzwa usina matauriro
Kukwirapo husadharara mwachewe
Ichokwadi hapana muchero usina masvisvinwa
Sadharara mwachewe ugozodya nhapatapi dzoupenyu

Chokwadi ziso rinokunda anzwa chete
Svikapo uzvionere manana panyika
Kupedza nyota kutosvika patsime
Nokuti muto wokupangurirwa haupedzi tsima
Ibesanwa ungati musangano waVaRozvi
Vachironga kuturura mwedzi
Kuti ugova ndiro siri yamambo

Kunoti rwunosiya tsamba dzebasa rechikoro
Rwunobuda nemabhuku mumba yemabhuku
Rwunopinda mumba yemabhuku
Rwunobhadhara mari yechikoro
Rwunotaura nemurekichi/mudzidzisi
Runotyaira mota rwuchienda
Rwakabata kudya, rwunodya
Iweka iwe hauzomboda

Dzidzo yepo mwachewe
Ibwe hurungudo chitombo chemumvura
Haitorwi navana tongoidzwavo
Mhare chete ndidzo dzinosvikapo
Asi ukabudirira kukwira mukwidzwayo
Nhare muchadenga dzinobonderana
Dzichitsvaga nekubvutidzana iwe mumabasa
Iwe une umhizha hwekukwira chikomo chamusunderere

Taivepewo isu vana hatibviri
Takakwirapo tikasadharara
Vhu-u tasvika isu vana Paidamwoyo
Ndiye tasa panhovo dzedzidzo
NaVaMutasa totasanura nehunyanzvi
Nheyo dzeUgo hwamadzinza aVaShona
Tichiseveredza nekurava nganonyorwa yavo Nyambo dzeJoni

Taivepo mwachewe isu vana Hazviere
Tichidemba temba kuna vaDembetembe
Nedzekufanana kwemitauro muAfrica
VaDembetembe vakava hakata padambudziko iri
Vakadudzira vachiti ndivo anonzi ma “Bantu languages”

Kumakuwerere Mutenhesanwa
Kumakuwerere Svova , Chikata
Kana usati vanyoresa pachikomo ichi
Hakuna kurasikirwa kunopfuura apa Musiiwa
Rega kuzochema uchiti hauna kunga waziva
Chapinda munzeve chavaridza bonde
Uye iri mumusaka-saka inozvinzwira
Iwe ziva kuti mberengera yakaradza mbuya nenzara
Ziva kuti ndakaziva haizova ndakatungamira
Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe zvinotaurwa nemhumwa yeUNISA.